1Ipapo Mozisi navaIsraeri vakaimba rwiyo urwu kuna Jehovha:
2“Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu;
3Jehovha imhare;
4Ngoro dzaFaro nehondo yake
5Mvura yakadzika yakavafukidza;
6“Ruoko rwenyu rworudyi, imi Jehovha,
7“Muukuru hwoumambo hwenyu
8Nokufema kwemhino dzenyu
9“Muvengi akazvikudza achiti,
10Asi makafuridza nokufema kwenyu,
11“Ndianiko pakati pavamwari akaita semi, imi Jehovha?
12Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi,
13“Murudo rwenyu rusingaperi muchatungamirira
14Ndudzi dzichazvinzwa uye dzichadedera;
15Madzishe eEdhomu achavhundutswa,
16kutya nokuvhunduka zvichavawira.
17Muchaenda navomo uye mugovasima
18“Jehovha achatonga
19Mabhiza aFaro, ngoro navatasvi vamabhiza vakapinda mugungwa, Jehovha akauyisa mvura yomugungwa pamusoro pavo, asi vaIsraeri vakafamba napakati pegungwa pavhu rakaoma.
20Ipapo Miriamu muprofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akatora tambureni muruoko rwake, uye vakadzi vose vakamutevera, vana matambureni uye vachitamba.
21Miriamu akavaimbira akati:
22Ipapo Mozisi akatungamirira vaIsraeri kubva paGungwa Dzvuku uye vakapinda murenje reShuri. Vakafamba kwamazuva matatu murenje vachishayiwa mvura.
23Vakati vasvika paMara, havana kugona kunwa mvura yacho nokuti yaivava. (Ndokusaka nzvimbo yacho ichinzi Mara.)
24Saka vanhu vakapopotera Mozisi vachiti, “Tonweiko?”
25Ipapo Mozisi akachema kuna Jehovha, Jehovha akamuratidza chimuti. Akachikanda mumvura, mvura ikanaka.
26Akati, “Kana mukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu uye mukaita zvakarurama pamberi pake, kana mukarerekera nzeve dzenyu kumirayiro yake uye mukachengeta mitemo yose, haangauyisi pamusoro penyu zvirwere zvose zvandakauyisa pamusoro pavaIjipita, nokuti ndini Jehovha anokuporesai.”
27Ipapo vakasvika paErimu, paiva namatsime gumi namaviri uye nemiti yemichindwe makumi manomwe, uye vakadzika misasa ipapo pedyo nemvura.