We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Ezira 8

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← Ezira 7 Ezira Ezira 9 →

1Ava ndivo vakuru vemhuri naavo vakanyorwa pamwe chete navo vakauya pamwe chete neni kubva kuBhabhironi panguva yokutonga kwaMambo Atazekisesi:

2kuzvizvarwa zvaFinehasi,

3akabva kuzvizvarwa zvaShekania;

4kuzvizvarwa zvaPahati-Moabhu,

5kuzvizvarwa zvaZatu,

6kuzvizvarwa zvaAdhini,

7kuzvizvarwa zvaEramu,

8kuzvizvarwa zvaShefatia,

9kuzvizvarwa zvaJoabhu,

10kuzvizvarwa zvaBhani,

11kuzvizvarwa zvaBhebhai,

12kuzvizvarwa zvaAzigadhi,

13kuzvizvarwa zvaAdhonikami,

14kuzvizvarwa zvaBhigivhai,

15Ndakavaunganidza vose parwizi runoerera rwakananga kuAhavha, uye takagarapo pamisasa kwamazuva matatu. Pandakacherechedza pakati pavanhu navaprista, handina kuona vaRevhi pakati pavo.

16Nokudaro ndakadana Eriezeri, Arieri, Shemaya, Erinati, Jaribhi, Erinatani, Natani, Zekaria, naMeshurami, avo vakanga vari vatungamiri naJoyaribhi naErinatani, avo vakanga vari varume vakadzidza,

17uye ndakavatuma kuna Idho, mutungamiri womuKasifia. Ndakavaudza zvokutaura kuna Idho nehama dzake, varanda vomutemberi muKasifia, kuitira kuti vagouya navashandi vomumba maMwari wedu kwatiri.

18Nokuti ruoko rwenyasha rwaMwari wedu rwakanga rwuri pamusoro pedu, vakauya naSherebhia, murume aiva nounyanzvi, akabva kuzvizvarwa zvaMari, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsraeri, uye navanakomana vaSherebhia nehama dzake, varume gumi navasere,

19uye Hashabhia, pamwe chete naJeshaya aibva kuzvizvarwa zvaMerari, nehama dzake navana vavo, varume makumi maviri.

20Vakauyawo navaranda vomutemberi mazana maviri namakumi maviri, uwandu hwakanga hwanyorwa naDhavhidhi namakurukota kuti vabatsire vaRevhi. Vose vakanga vakanyorwa mazita avo.

21Ipapo, paRwizi rweAhavha, ndakatara nguva yokutsanya kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu uye kuti timukumbire kuti atifambise rwendo rwakanaka isu navana vedu nepfuma yedu yose.

22Nokuti ndakanyara kukumbira mambo kuti atipe varwi navatasvi vamabhiza kuti vatirwire kubva kuvavengi vedu parwendo nokuti takanga taudza mambo kuti, “Ruoko rwenyasha rwaMwari wedu rwuri pamusoro pomunhu wose anotarira kwaari.”

23Naizvozvo takatsanya uye tikanyengetera kuna Mwari wedu pamusoro paizvozvi, uye akapindura munyengetero wedu.

24Ipapo ndakatsaura vaprista vaitungamira gumi navaviri, pamwe chete naSherebhia, naHashabhia uye nehama dzavo gumi,

25uye ndakavaerera zvipiriso zvesirivha negoridhe nemidziyo yakanga yapiwa kuimba yaMwari wedu namambo navapi vake vamazano namakurukota ake uye navaIsraeri vose.

26Ndakavaerera matarenda mazana matanhatu namakumi mashanu8:26 matani angaita 22 esirivha, nemidziyo yesirivha yairema matarenda zana8:26 matani angaita 3.4, namatarenda zana egoridhe,

27mbiya dzegoridhe makumi maviri dzaikosha madhariki chiuru chimwe chete8:27 makirogiramu angaita 8.5, uye nemidziyo miviri yakaisvonaka yendarira yaibwinya, inokosha segoridhe.

28Ndakati kwavari, “Imi pamwe chete nemidziyo iyi makatsaurirwa Jehovha. Sirivha negoridhe ndizvo zvipo zvokupa nokuzvisarudzira kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu.

29Muzvirinde zvakanaka kusvikira mazviyera pamberi pavakuru vavaprista navaRevhi uye navakuru vemhuri dzavaIsraeri paJerusarema mumakamuri eimba yaJehovha.”

30Ipapo vaprista navaRevhi vakagamuchira sirivha negoridhe nemidziyo mitsvene yakanga yaerwa kuti iendeswe kuimba yaMwari wedu muJerusarema.

31Pazuva regumi namaviri romwedzi wokutanga takabva parwizi rweAhavha tichienda kuJerusarema. Ruoko rwaMwari rwakanga rwuri pamusoro pedu, uye akatidzivirira kubva kuvavengi navakanga vakativandira panzira.

32Saka takasvika muJerusarema tikazororamo kwamazuva matatu.

33Pazuva rechina, muimba yaMwari takayera sirivha negoridhe nemidziyo mitsvene mumaoko aMeremoti mwanakomana waUria, muprista. Ereazari mwanakomana waFinehasi akanga aripowo naye, uye navaRevhi vanoti Jozabhadhi mwanakomana waJeshua naNoadhia mwanakomana waBhinui.

34Zvinhu zvose zvakaverengwa uwandu hwazvo uye zvikayerwa, uye uremu hwazvo zvose hwakanyorwa panguva iyoyo.

35Ipapo vatapwa vakanga vadzoka kubva kuutapwa vakabayira zvipiriso zvinopiswa kuna Mwari waIsraeri: hando gumi nembiri dzavaIsraeri vose, makondobwe makumi mapfumbamwe namatanhatu, namakwayana makono makumi manomwe namanomwe, uye nhongo dzembudzi gumi nembiri, sechipiriso chechivi. Zvose izvi zvaiva chipiriso chinopiswa kuna Jehovha.

36Vakapawo zvirevo zvamambo kumachinda amambo uye navabati mhiri kwaYufuratesi, avo vakazopawo rubatsiro kuvanhu nokuimba yaMwari.

← Ezira 7 Ezira Ezira 9 →