1Shure kwaizvozvi ndakaona mumwe mutumwa achiburuka kubva kudenga. Akanga ane simba guru, uye nyika yakavhenekerwa nokubwinya kwake.
2Akadanidzira nenzwi guru achiti:
3Nokuti ndudzi dzose dzakanwa
4Ipapo ndakanzwa rimwe inzwi kudenga richiti:
5nokuti zvivi zvaro zvaita murwi unosvika kudenga,
6Ritsivei semabasa arakaita;
7Rirwadzisei zvikuru uye murichemedze
8Naizvozvo, nezuva rimwe chete matambudziko ake achamukunda anoti:
9“Madzimambo enyika, akaita upombwe naro uye akagovana naro pamufaro waro achati achiona utsi hwokutsva kwaro, achachema uye achaungudza pamusoro paro.
10Vachitya kurwadziwa kwaro, vachamira kure vagochema vachiti:
11“Vashambadziri venyika vachachema uye vachaungudza pamusoro paro nokuti hakuna munhu achatenga nhumbi dzavozve,
12nhumbi dzegoridhe, sirivha, mabwe anokosha namaparera; micheka yakanaka, yepepuru, sirika nemicheka mitsvuku; mhando dzose dzemiti inonhuhwira nezvinhu zvemhando dzose zvakagadzirwa nenyanga dzenzou, namatanda ano mutengo unokosha, ndarira, simbi namabwe akaurungana;
13nhumbi dzesinamoni nezvinonhuhwira, mura nezvizoro zvinonhuhwira, waini namafuta omuorivhi, upfu hwakatsetseka negorosi; mombe namakwai; mabhiza nengoro; nemiviri nemweya yavanhu.
14“Vachati, ‘Muchero wawaipanga wabviswa kwauri. Upfumi hwako hwose nezvinobwinya zvako zvose zvapera, hazvichazowanikwizve.’
15Vashambadziri vakatengesa zvinhu izvi uye vakawana pfuma yavo kwariri vachamira kure, vachityiswa nokurwadziwa kwaro. Vachachema uye vachaungudza
16uye vachadanidzira vachiti:
17Muawa imwe chete upfumi hwakakura kudai hwaparara!’
18Pavachaona utsi hwokutsva kwaro, vachati, ‘Pakambova neguta rakaita seguta guru iri here?’
19Vachakanda guruva pamisoro yavo, uye nokuchema nokuungudza vachadanidzira vachiti:
20Farai pamusoro paro, imi denga!
21Ipapo mutumwa ane simba akasimudza dombo rakaenzana neguyo guru akarikanda mugungwa, akati:
22Kuimba kwavaridzi vorudimbwa navaimbi, navaridzi venyere navaridzi vehwamanda,
23Chiedza chomwenje hachichazovhenekerizve mauri.
24Mariri makawanikwa ropa ravaprofita neravatsvene,