We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Zvakazarurwa 11

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← Zvakazarurwa 10 Zvakazarurwa Zvakazarurwa 12 →

1Ndakapiwa rutsanga rwakaita setsvimbo yokuyera ndikaudzwa kuti, “Enda undoyera temberi yaMwari nearitari, ugoverenga vanamati vari imomo.

2Asi usiye ruvazhe rwokunze; usaruyera, nokuti rwakapiwa kune veDzimwe Ndudzi. Vachafamba-famba muguta dzvene kwemwedzi makumi mana nemiviri.

3Uye ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, uye vachaprofita kwamazuva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi matanhatu, vakapfeka nguo dzamasaga.”

4Ava ndivo miti miviri yomuorivhi nezvigadziko zviviri zvemwenje zvimire pamberi paIshe wenyika.

5Kana munhu upi zvake akaedza kuvakuvadza, moto unobuda mumiromo yavo ugoparadza vavengi vavo. Aya ndiwo mafiro achaita ani zvake anoda kuvakuvadza.

6Varume ava vane simba rokuzarira denga kuti mvura irege kunaya panguva yavanenge vachiprofita; uye vane simba rokushandura mvura kuti ive ropa nokurova nyika namatenda amarudzi ose sapavanodira zvavo.

7Zvino pavanenge vapedza kupupura kwavo, chikara chinobva mugomba rakadzika zvisina mugumo chichavarwisa, chigovakunda uye chichavauraya.

8Mitumbi yavo icharaswa munzira yomuguta guru, rinonzi kana richifananidzirwa, Sodhomu neIjipiti, uko kwakarovererwawo Ishe wavo.

9Kwamazuva matatu nehafu, vanhu vanobva kuvanhu vose, kumarudzi ose, kundimi dzose, nokundudzi dzose vacharamba vakatarira mitumbi yavo uye vachadzivisa kuvigwa kwayo.

10Vanogara panyika vachafara pamusoro pavo uye vachapembera vagotumirana zvipo, nokuti vaprofita vaviri ava vakatambudza avo vanogara panyika.

11Asi mushure mamazuva matatu nehafu, mweya woupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, kutya kukabata avo vakavaona.

12Ipapo vakanzwa inzwi guru richibva kudenga richiti, “Kwirai kuno.” Uye vakakwira kudenga vari mugore, vavengi vavo vachizviona.

13Panguva yacho iyoyo kwakava nokudengenyeka kukuru kwenyika uye chegumi cheguta chikaondomoka. Zviuru zvinomwe zvavanhu zvakaurayiwa mukudengenyeka kwenyika ikoko, uye vakasara vakavhundutswa nazvo vakarumbidza Mwari wokudenga.

14Nhamo yechipiri yapfuura; nhamo yechitatu iri kuuya nokukurumidza.

15Mutumwa wechinomwe akaridza hwamanda yake, kudenga kukava namanzwi makuru aiti:

16Uye vakuru makumi maviri navana, vakanga vagere pazvigaro zvavo zvoushe pamberi paMwari, vakawira pasi nezviso zvavo vakanamata Mwari,

17vachiti:

18Ndudzi dzakatsamwa; uye hasha dzenyu dzauya.

19Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa, uye mukati metemberi yake makaonekwa areka yake yesungano. Uye ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira okutinhira, kudengenyeka nemvura yechimvuramabwe yakawanda.

← Zvakazarurwa 10 Zvakazarurwa Zvakazarurwa 12 →