We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

2 Makoronike 4

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← 2 Makoronike 3 2 Makoronike 2 Makoronike 5 →

1Akavaka aritari yendarira yakanga yakareba makubhiti makumi maviri4:1 mamita angaita 9, uye upamhi hwayo hwaiva makubhiti makumi maviri uye yakareba makubhiti gumi4:1 mamita angaita 4.5 kuenda mudenga.

2Akaita Gungwa resimbi, rakatenderera pakuvakwa kwaro, rakareba makubhiti gumi pamuromo waro kubva kune rumwe rutivi kusvika kune rumwe rutivi uye makubhiti mashanu4:2 mamita angaita 2.3 kuenda mudenga. Zvaida tambo yakareba makubhiti makumi matatu4:2 mamita angaita 13.5 kuti ikwanise kupoteredza gungwa iri.

3Pazasi pomuromo, zvifananidzo zvehando zvairipoteredza, zviri gumi pakubhiti rimwe chete4:3 0.5 yemita. Hando idzi dzakanga dzakaiswa mumitsara miviri dziri chinhu chimwe chete neGungwa.

4Gungwa rakanga rakamira pamusoro pehando gumi nembiri, nhatu dzakatarisa kumusoro, nhatu dzakatarisa kumavirira, nhatu dzakatarisa zasi, uye nhatu dzakatarisa kumabvazuva. Gungwa rakanga rakagara pamusoro padzo uye shure kwadzo kwakanga kwakatarisa pakati.

5Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita sokufara kwechanza4:5 masendimita angaita 8 uye muromo waro wakanga wakaita somuromo womukombe, seruva rehapa. Raizara namabhati zviuru zvitatu4:5 makirorita angaita 66 .

6Akagadzirazve madhishi okusukira gumi akaisa mashanu kudivi rezasi, uye mashanu kudivi rokumusoro. Zvinhu zvose zvaizoshandiswa pazvipiriso zvinopiswa zvaisukirwamo, asi Gungwa raizoshandiswa navaprista pakushamba.

7Akagadzira zvigadziko zvemwenje gumi zvegoridhe, sokurayirwa kwazvakanga zvaitwa akazviisa mutemberi, zvishanu akaisa zasi zvishanu kumusoro.

8Akagadzira tafura gumi akadziisa mutemberi, shanu zasi uye shanu kumusoro. Akagadzirawo mbiya dzegoridhe zana dzokusasa.

9Akagadzira chivanze chavaprista, nechivanze chikuru nemikova yechivanze uye akafukidza mikova nendarira.

10Akaisa Gungwa kudivi rezasi, pakona yezasi yakadziva kumabvazuva.

11Akagadzirazve hari nefoshoro nembiya dzokusasa.

12mbiru mbiri;

13Matamba mazana mana emimbure miviri nemimwe yakanga yakashongedza misoro yakanga yakaumbwa sembiya pamisoro yembiru;

14zvigadziko namadhishi azvo;

15Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro;

16hari, foshoro, forogo dzenyama, nemimwe midziyo yose.

17Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu mubani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani.

18Zvinhu izvi zvose zvakagadzirwa naSoromoni zvakanga zvakawanda kwazvo zvokuti uremu hwendarira yakashandiswa hwakanga husingaverengeki.

19Soromoni akagadzirazve midziyo yose yakanga iri mutemberi yaMwari yaiti:

20zvigadziko zvemwenje zvegoridhe nemwenje yazvo kuti ipfute pamberi penzvimbo tsvene yomukati sezvakarayirwa;

21maruva egoridhe nemwenje nembato (dzaiva dzegoridhe chairo);

22zvidzimiso zvemwenje, mbiya dzokusasa, madhishi nezvaenga zvomoto zvegoridhe yakaisvonaka namakonhi egoridhe, etemberi: makonhi omukati yapaNzvimbo Tsvene-tsvene namakonhi eimba huru.

← 2 Makoronike 3 2 Makoronike 2 Makoronike 5 →