We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

1 Makoronike 16

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← 1 Makoronike 15 1 Makoronike 1 Makoronike 17 →

1Vakauya neareka yaMwari vakaiisa mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana pamberi paMwari.

2Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha.

3Ipapo akapa mumwe nomumwe womudzimai nomurume wechiIsraeri rofu rechingwa, keke romuchero womuchindwe nekeke ramazambiringa akaoma.

4Akagadza vamwe vavaRevhi kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, vakumbirire, vavonge uye kuti varumbidze Jehovha, Mwari waIsraeri:

5Asafi ndiye aiva mukuru wavo, Zekaria wechipiri, kuchitevera Jeyeri Shemiramoti, Jehieri, Matitia, Eriabhi, Bhenaya, Obhedhi-Edhomu naJeyeri. Vaizoridza mitengeranwa nembira; Asafi aizoridza makandira

6uye Bhenaya naJahazieri vaprista vaizoridza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari.

7Zuva iroro Dhavhidhi akapa kwokutanga Asafi navamwe vake pisarema iri rokuvonga Jehovha:

8Vongai Jehovha, danai kuzita rake;

9Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza;

10Zvirumbidzei muzita rake dzvene;

11Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake;

12Rangarirai zvishamiso zvaakaita,

13Haiwa, imi zvizvarwa zvaIsraeri muranda wake,

14Ndiye Jehovha Mwari wedu;

15Anorangarira sungano yake nokusingaperi,

16Sungano yaakaita naAbhurahama,

17Akasimbisa kuna Jakobho somutemo,

18“Kwauri ndichapa nyika yeKenani,

19Pavakanga vari vashoma,

20vakadzungaira kubva kuno rumwe rudzi kusvika kuno rumwe,

21Haana kutendera munhu kuti avadzvinyirire;

22“Musabata vazodziwa vangu;

23Imbirai Jehovha, pasi pose;

24Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi,

25Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa;

26Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo,

27Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake;

28Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi,

29ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake.

30Dederai pamberi pake, imi nyika yose!

31Matenga ngaafare, nyika ngaifare;

32Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri;

33Ipapo miti yesango ichaimba,

34Vongai Jehovha nokuti akanaka;

35Danidzirai muchiti, “Tiponesei, imi Mwari Muponesi wedu;

36Rumbidzai Jehovha, Mwari waIsraeri,

37Dhavhidhi akasiya Asafi navamwe vake pamberi peareka yesungano yaJehovha kuti ashumirepo nguva dzose maererano nezvaidiwa zuva rimwe nerimwe.

38Akasiya Obhedhi-Edhomu navamwe vake makumi matanhatu navasere kuti vashumire navo. Obhedhi-Edhomu mwanakomana waJedhutuni naHosa vaiva vatariri vamasuo.

39Dhavhidhi akasiya Zadhoki muprista navamwe vaprista pamberi petabhenakeri yaJehovha panzvimbo yakakwirira muGibheoni

40kuti vape zvipiriso zvinopiswa, kuna Jehovha paaritari yezvipiriso zvinopiswa, nguva dzose, mangwanani namanheru maererano nezvose zvakanga zvakanyorwa muMurayiro waJehovha waakanga apa Israeri.

41Pakati pavo paiva naHemani naJedhutuni navamwe vose vaiva vakasarudzwa namazita kuti vavonge Jehovha, “Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.”

42Hemani naJedhutuni vaiva nebasa rokuridza hwamanda namakandira uye nokuridza zvimwe zviridzwa parwiyo rutsvene. Vanakomana vaJedhutuni vakaitwa vatariri vamasuo.

43Ipapo vanhu vose vakabvapo, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake, uye Dhavhidhi akadzokera kumba kwake kundoropafadza mhuri yake.

← 1 Makoronike 15 1 Makoronike 1 Makoronike 17 →